KwaunobvaDuramazwiGgara

Duramazwi · chiito

gara

inhabit · occupy · reside · sit · stay · stay; live; sit

Zvinoreva

Kuva pane imwe nzvimbo kwenguva.

Iri izwi rinoshandiswa kubvunza pamusoro pechimwe chinhu chaunoziva kana chawakamboudzwa newaunenge uchibvunza.

Gara chinhu chikuru chinokuvadza.

1

Kuva pane imwe nzvimbo kwenguva.

2

Kana wakagara magadziko ako ndiwo anenge akagunzva pasi, uye ndiwo anenge akatakura uremu hwako hwose.

Tanga wagara pasi kana uchitaura nevakuru.

3

Kugara kupedza nguva huru munhu uchirarama uri panzvimbo imwe.

Pamusha pavo vagara makore anodarika makumi mashanu.

4

Kugara panzvimbo kuita nzvimbo iyoyo musha wako.

Tava kugara

5

Iri izwi rinoshandiswa kubvunza pamusoro pechimwe chinhu chaunoziva kana chawakamboudzwa newaunenge uchibvunza.

Gara zviya wakati mai vanouya riini?

Vainge vatove confused zvekuti Tadiwa akasviko gara pamakumbo abatakue.

Tadiwa akazobva hake paye kwave kuenda kusiting room ndokusviko gara.

6

Gara chinhu chikuru chinokuvadza.

Vanonzi vakapindirwa negara renyoka mumba ivo vari kubhawa.

Vainge vatove confused zvekuti Tadiwa akasviko gara pamakumbo abatakue.

Tadiwa akazobva hake paye kwave kuenda kusiting room ndokusviko gara.

7

Gara chirwere chinoitwa nevana pavanenge vachingovhunduka nekudziya miviri.

8

Dhiyabhori.

Zvakasiyana

mira

Zvine chekuita

chikara

Zvakafanana

buka

Mamwe mazwi ane G

G

Duramazwi

01 / 03

gara matunduru

Kana munhu achiti chimwe chinhu chakamugara matunduru, anenge achireva kuti chava nenguva yakareba chiri paari uye chichimunetsa kana kumurwadza zvikuru.

Verenga

Swipe for the next word