Tsumo · Upfumi
Zundu kugara mundove hunzi neni ndava mombewo.
Zvinorehwa
Munhu anogara pamukuru anoda kuzviratidza somukuruwo uye kana murombo akagara pakati pavapfumi anobva atozvitorawo somupfumi.
What it means
Someone who stays close to a person of high status wants to be seen as important too; likewise a poor person who spends time among the wealthy starts to act as if they, too, are wealthy.
Word for word
A kraal worm living in cattle dung (thinks), "I am a cow too."
Mamwe mataurirwo
Kanyembana kumera munyemba hunzi ndava nyembawo.
Zizi kurungwa munyu roti ndava hukuwo.
Ruzambu kugara munyemba rwoti ndava nyembawo.
Hapana chisingadi ushe gwavava ndive nevanji woruware.