KwaunobvaTsumoMwoyochena ndowei bere kugarira mhuru yakafa zvayo?

Tsumo

Mwoyochena ndowei bere kugarira mhuru yakafa zvayo?

Zvinorehwa

Nguva dzose kana vanhu vachiona munhu achipa rubatsiro pasina muripo vanofungira kuti munhu wacho pane zvaanoda mangwana kubva kune uya waayamura pachena.

What it means

Whenever people see someone giving help without expecting payment, they suspect that person wants something in return later from whoever they are openly helping.

Word for word

What sort of altruism if a hyena has to guard a dead calf?

Mamwe mataurirwo

Mwoyochena ndowei bere kugarira munhu akafa? (munhu akafa: corpse)

Mwoyochena wei tsvimborume kubvisa mwana wemvana madzihwa?

Kutumikai kwomukwambo kutaurira mbuya kuti gapu renyama ratsva?

Mwoyochena wei kugombera inonwa zvayo?

Kuitai kwemudzimu kunayisa mvura pasina audirira?

Mwoyochena wei kiti kunyengetedza gonzo kuti uya titambe?

Mwoyochena wei gunguo kugadzirira mbongoro (inorwara) pokurara?

Dzimwe tsumo dzeother

Tsumo

01 / 03

N'ai kwadzo ndedzonucheche dzonukuru dzinoreva kudya.

What it means

A young child's crying may mean little, but when an adult 'cries' (complains), they are asking for something specific.

Verenga

Swipe for the next proverb