Gushungo Tsiwo
Maita Gushungo,
VokwaNzungunhokotoko,
Muchero waNegondo,
Maita Tsiwo,
Usavi hwavamwe varume,
Vambwerambwetete,
Kugara pasikusimuka zvinohwira vhu,
Musati hutukwa,
Mutupo ndowenyu,
Tatenda varidzi venyika,
Vakabva Guruuswa,
Varidzi vamazhanje.
Maita vokwaZvimba,
Vazere muChakona,
Vene vamachiri namakute,
Vanokutizira kunenge kudyara nzungu,
Vakapangura nyika ino
Ichakatsitswa nezamu,
Vomutupo weGushungo,
Vari chipata naMaringohwe,
Aiwa mwana waZvimba,
Zvaitwa vaNgonya.
Ngonya · Gushungo
Kwaunobva · kwaunobva.com/mitupo/gushungo-tsiwo/