Kwaunobva

ziva

chiito
Zvinoreva
  1. 1

    Kana uchiziva munhu, unenge wakambomuona kana kunzwa nezvake.

  2. 2

    Kana uchiziva chinhu, unenge uchikwanisa kupa tsanangudzo pamusoro pacho.

    Vana vanofanira kuziva nyaya iri mubhuku zvakadzama kuti vagone kuongorora bhuku zvizere.

  3. 3

    Kana munhu achiti anoziva zvimwe zvinhu anenge achireva kuti akaona zvichiitika.

    Bvunza ini ndinozviziva ndaivapo, kwete kuteerera zvemanyepo.

  4. 4

    Kuziva kuchenjerera nekurangarira zvimwe zvinhu. Munaziva kuti vana havana kudya saka musapedze murivo.

    Chero pandakaroorwa vanatete vakatsinhira vatsinhirazve, "Mwana wehanzvadzi ziva kuti uno musha wavaridzi.

  5. 5

    Kana munhu achiziva anenge ane njere dzakapinza. Mwana uyu anoziva chaizvo muchikoro.

  6. 6

    Kana uchiziva mumwe munhu unenge uchimusarudza kubva paruzhinji kuti umupe rubatsiro. Wozo-ndizivawoka kana ndazosvika kubasa kwenyu.

  7. 7

    Kana mukomana achiti akaziva musikana, kana kuti musikana achiti anoziva mukomana, anenge achireva kuti akamborara naye.

Maumbirwo
Mazwi akafanana

Apps from the team behind Kwaunobva

Made in Zimbabwe by Invalcre (Pvt) Limited. Free, and they work offline.

Provisional Test Zimbabwe app iconProvisional Test ZimbabweZimbabwe VID test and Highway Code

Pass your Zimbabwe provisional driving test.

  • Every question of this year's papers, with the reason each answer is right
  • A readiness score that moves as you sit papers, so you know when to book
Provisional app: a timed test question asking which car at a junction goes last
Danho app iconDanhoZIMSEC O and A Level past papers

Every ZIMSEC past paper, offline, on your phone.

  • Works fully offline once a subject is downloaded
  • Progress tracked paper by paper, not just a percentage
Danho app: today's revision plan, with the questions left to revise and a paper to start per subject
Bhaibheri app iconBhaibheriThe Shona Bible and its hymnals

The Shona Bible. Every hymn your church sings. Free.

  • Two versions side by side, verse for verse
  • AFM, Methodist, RCZ, UMC, Baptist and SDA hymnals
Bhaibheri app: choosing a church hymnal, from Apostolic Faith Mission to Seventh-day Adventist
Denhe app iconDenheZimbabwe's public record

The record of what Zimbabwe publishes.

  • Take-home pay, ZESA units and mobile money charges worked out
  • Every school, university and bank, a page each
Denhe: the PAYE calculator working out take-home pay from a monthly salary