KwaunobvaDuramazwiNnwa

Duramazwi · chiito

nwa

drink

Zvinoreva

Kumedza chese chese chakaita mvura mvura.

1

Kumedza chese chese chakaita mvura mvura.

Teketera kambuyu kadiki kanogara pahuku, kachii-nwa ropa.

Muchiso kamutsetse kanosara pajira rinenge raai-nwa. Muchiso ukaenda nepadivi pehanzu, inonyadzisa kupfeka.

2

Kunwa kumedza chinhu chakaita sedoro, mvura kana tii.

Tinonwa mvura nomukombe.

3

Kana mota ichinwa peturu inenge ichiiswa peturu mutengi mayo.

4

Kana jira richinwa mvura rinenge richisvetera mvura mariri, sezviya zvinoita majuzi.

5

Kana bhora ranwa rinenge rapinda nepakati pematanda egedhi chava chibodzwa.

Mamwe mazwi ane N

N

Duramazwi

01 / 03

nwada nwada

Kuti nwada nwada kufamba munhu achizvidhonza, achitsika pasi nezvigunwe chete.

Verenga

Swipe for the next word