KwaunobvaDuramazwiFfuta

Duramazwi · zita

futa

bloated

-kora-femuka-jumha-unditasimbakora

Zvinoreva

Kana munhu akafuta anenge aine muviri mukobvu, kazhinji uri muhombe zvakare.

Futa chidimbu chimwe chete chenyama chena inonyiminya, isiri yemunyepfu kana magodo.

Kana munhu akakufuta unenge wazongoerekana akuitira chimwe chinhu chawanga usingafungiri. Kana uchida kurova munhu muhombe kwauri, unotoita zvokumufuta akarivara.

1

Kana ukananautsa chinhu chakaomarara sezvakaita futa renyama unenge waita kuti rinyunguduke.

Kana munhu akadyira futa vamwe anege achishandisa mushonga kusundira vamwe vemhuri mudzimu wakaipa.

Kuti futunu kuzvimba kana kufuta, sezvinoita bhora kana kuti chubhu yapombwa mweya.

2

Kana munhu afuta anenge atsamwa. Pamwe izvozvi ndinomuwana atofuta nehasha.

3

Futa chidimbu chimwe chete chenyama chena inonyiminya, isiri yemunyepfu kana magodo.

Ndanga ndichifunga kuti ndanonga nyama kwayo, izvo ifuta zvaro.

Kana ukananautsa chinhu chakaomarara sezvakaita futa renyama unenge waita kuti rinyunguduke.

Kana munhu akadyira futa vamwe anege achishandisa mushonga kusundira vamwe vemhuri mudzimu wakaipa.

4

Kana munhu akakufuta unenge wazongoerekana akuitira chimwe chinhu chawanga usingafungiri. Kana uchida kurova munhu muhombe kwauri, unotoita zvokumufuta akarivara.

Kana munhu akadyira futa vamwe anege achishandisa mushonga kusundira vamwe vemhuri mudzimu wakaipa.

Kuti futunu kuzvimba kana kufuta, sezvinoita bhora kana kuti chubhu yapombwa mweya.

Kundunduma kutsamwa kwakanyanya, zvekuti munhu anoonekwa kufuta kumeso.

Zvakafanana

-kora · -femuka · -jumha · -undita · simba · kora

Zvine chekuita

mafuta

Mamwe mazwi ane F

F

Duramazwi

01 / 03

futada

Kana munhu akarohwa nembama yefutada anenge arohwa neseri kweruoko.

Verenga

Swipe for the next word