Chidawo
Aya Dhuve, Tirotenda Mapanda, Tiashire Muriwo, Tinogarira imwi babayo, Mwana wangu wokubereka, ABhasera, Amapfupfu, Chivara, Ndichjo chamwakafira, Dhuve rangu riri, Iro zuva rakangoti jene'ene, Takangogarira njira, Mirono yaoma nenjara, Iyo mhamba nechikari babayo. Zvakangooma zviri pachitaya. Aiwa zvaitwa vari Mupamba neZomba. Tirotenda dhuve. Mwaita vari Chirinda, Dhuve rinotsika mapuwe ejpfuta mwoto, Aiwa zvaitwa babayo.