Kwaunobva

kora

zita
Zvinoreva
  1. 1

    Kuita mafuta kana kuorera kana kuomarara.

  2. 2

    Kana mhuka yakakora inenge ine mutumbi mukuru, nyama yacho iine mafuta. Munhu anonzi akasimba kana kuti akafuta, asi mhuka ndiyo inonzi yakakora.

  3. 3

    Kukora kuorera kunoita mukaka mumbishi uchiita ruomba, zvimandama nemutuvi. Sadza rinonaka kudya nomukaka wakakora, kwete mumbishi.

  4. 4

    Kana sadza rakakora rinenge rawanzwa ufu pakubika zvekuti rinoita kakuomarara.

  5. 5

    Kana chekudya chichikora chinenge chichikurumidza kurova mwoyo. Nyama yenguruve iya inobayiwa kumusha inondikora nemazifuta ainenge inayo.

  6. 6

    Kana doro richikora rinenge richidhaka. Hwahwa hunobikwa namai ava hunokora chaizvo, zvekuti mupeta wese wavabika unototi uunganirwe.

  7. 7

    Chipika.

  8. 8

    Kora imba inorara vakomana vega kana vasikana vega vachiri vadiki.

Maumbirwo

Mupanda 9 (i- / dzi-)

Mazwi akafanana

Apps from the team behind Kwaunobva

Made in Zimbabwe by Invalcre (Pvt) Limited. Free, and they work offline.

Provisional Test Zimbabwe app iconProvisional Test ZimbabweZimbabwe VID test and Highway Code

Pass your Zimbabwe provisional driving test.

  • Every question of this year's papers, with the reason each answer is right
  • A readiness score that moves as you sit papers, so you know when to book
Provisional app: a timed test question asking which car at a junction goes last
Danho app iconDanhoZIMSEC O and A Level past papers

Every ZIMSEC past paper, offline, on your phone.

  • Works fully offline once a subject is downloaded
  • Progress tracked paper by paper, not just a percentage
Danho app: today's revision plan, with the questions left to revise and a paper to start per subject
Bhaibheri app iconBhaibheriThe Shona Bible and its hymnals

The Shona Bible. Every hymn your church sings. Free.

  • Two versions side by side, verse for verse
  • AFM, Methodist, RCZ, UMC, Baptist and SDA hymnals
Bhaibheri app: choosing a church hymnal, from Apostolic Faith Mission to Seventh-day Adventist
Denhe app iconDenheZimbabwe's public record

The record of what Zimbabwe publishes.

  • Take-home pay, ZESA units and mobile money charges worked out
  • Every school, university and bank, a page each
Denhe: the PAYE calculator working out take-home pay from a monthly salary