Chidawo
Mazvilta Moyo, Maita Chirandu, Gonoren'ombe, Mushayachirashwa, Mukaka tinomwa, Mafuta tichizora, Nyama tinodya, Ganda tichikakise ngoma, Ndove tinodzurisa mudzimba, Muswe tinopumhisa, Nyanga tichilta gonan'ombe. Maita Chirandu, Maita Moyo, Maita Sahi, Maita dhewa rangu. Maita Brumavaranda, Gono raMutindi naGochedza, Vari Maronga. Maita vana vaPfupajena, Vari muDuma neChidumana. Maita vari Diktiki, Vari Ushava, Mushenjere wavaDuma usina pakaminama, Pakaminama tinoorora. Mhuri inobva Mandara, VaMarranherera vanorera nedzavamwe, Ndikafira pano wani, Kudai kuenda ndichidzoka zvinolta huyo, Chinondiona sechina meso, Navaripowo namangwana musanyara.