Moyo Sinyoro
Maita Sinyoro, Zvaitwa Muroro,
Vagari vamachira,
VaZungu vamachira machena,
Vakauya nomumvura Kuzoshambadza ndoro nendarira.
Kuziva zvenyu vashambadzi,
Maita vezviuya zvinenge mukaka,
Unodyiwa nevasina meno.
Tatenda vadyi vamazai,
Vamupfura magidi,
Nguo takasuka kare,
Vaeni vakauya vakatakura umambo,
Vanodya maroro vakatambarara,
Vadyi vendatsva namashongadede,
Vadyi venzungu,
Vakaisa imbwa mudura,
Vachiti imbudzi isina nyanga Vabvakure,
VaChitsvachirimurutsoka,
VaUsuunjenjema,
Vagere Zvinjanja,
Vene vepasi,
Vanofamba vari padara.
Vazukuru veshiri.
Ziendanomudenga Vane hama dzakaperera Chirozva Mazviita VaSena ,maita Moyo,
Mutupo mukuru waierwa Dzimbahwe,
Nyama inyoro mutupo usina mupatsa ,
VaChumachitete,chikobvuchinobanduka Aiwa zvaitwa munjanja Wakaroka
Moyo · Moyo Munjanja
Kwaunobva · kwaunobva.com/mitupo/moyo-sinyoro/