KwaunobvaDuramazwiMmafuta

Duramazwi · zita

mafuta

calorie · fat · fuel · lard · lotion · lubricant · oil · ointment · oil; fuel; fat

futaoiri

Zvinoreva

Nyama kana chizorwa chinonyiminya nokukora.

1

Nyama kana chizorwa chinonyiminya nokukora.

Kana mafuta ekubikisa achinetsa kuwana, tinochachadza nyama yakakora kuti tiitise mafuta.

Marwei wacho akanga akati mafuta kumeso *kibi*, hanzi ndiyo cheno.

Unofanira kukasira kusuka nhumbi idzi nokuti dzinogona kuomera, sezvo dzamboiswa zvekudya zvine mafuta akawandisa.

2

Mafuta inyama chena inowanikwa pamutumbi wakakora.

3

Mafuta muto unosvinwa kubva muzvirimwa zvakaita senzungu, unoshandiswa pakubikisa.

4

Mafuta ruomba runozorwa mumuviri kana munhu apedza kugeza.

5

Mafuta idikitiki rinoiswa pasimbi dzezvinofamba kuti dzisakwesherana, dzinyatsofamba zvakanaka.

Zvine chekuita

futa

Zvakafanana

oiri

Mamwe mazwi ane M

M

Duramazwi

01 / 03

mafutura

Mafutura mufungo wekuva nechivimbo chakanyanyisa chekuti chimwe chinhu chinogoneka, icho chisingabviri kuita.

Verenga

Swipe for the next word