Duramazwi
-bhoira-vhaira-zhazhira
Zvinoreva
Kuvira kututuma kunoita mvura inenge ichifashaira iri pamoto.
1
Kuvira kututuma kunoita mvura inenge ichifashaira iri pamoto.
2
Kuvira kuvhundunyuka kunoita doro kana maheu zvichiuyapa-musoro zvichiita furo, pamusaka pembiriso inenge yaiswa, zvava kuchitanga kuzvigadzira kubva pakutapira kuenda pakuvavira.
3
Kana munhu achinzi ari kuvira anenge akatsamwa chaizvo achinzwa hasha mushure mekukangansirwa neumwe munhu.
Ndasiya mai vachivira kumba uko.
Nhasi unosvika ukarohwa ukati baba.
Zvakafanana
-bhoira · -vhaira · -zhazhira
Mamwe mazwi ane V
VDuramazwi
01 / 03virika
Kuvirika kupamhidzira pamusoro pezvimwe.
VerengaSwipe for the next word