Kwaunobva

bata

chiito
Zvinoreva
  1. 1

    Kugunzva noruoko kana kuisa muchanza.

    Semuenzaniso, rukudzo rwunokosheswa mutsika nemagariro asi kuti hazvigoneki kuti unzi bata kana kuti nongedza rukudzo.

  2. 2

    Kubata kusimudza kana kutsigira chinhu nemaoko.

  3. 3

    Kubata kuti dzvi chinhu chawanga uchitandanisa.

  4. 4

    Kana munhu akanzi anobata anenge ane kwaanoshanda.

  5. 5

    Kana munhu achibata basa anenge achiriita nemwoyo wose. Vanhu vakare vaifarira kuroora vakadzi vanobata.

  6. 6

    Kana chirimwa chikabata chinenge chava kukura chanyatsodzika midzi pachinenge chasimwa.

  7. 7

    Kana chirwere chikabata munhu kana chimwewo chinhu chipenyu chinenge chapinda chava kukanganisa utano.

  8. 8

    Kana chipfeko chichibata chinenge chichinyatsoti ndindindi nemuviri.

  9. 9

    Kana mapurisa akabata munhu anenge amusunga.

  10. 10

    Kubata munhu kumuwanikidza achiita zvakaipa.

  11. 11

    Kubata kuona kana kunzwisisa zviri kutaurwa kana kuti zviri kuitika. _Ini nyaya yamuri kutaura handisi kumboibata kana._

  12. 12

    Kubata hembe kushandisa zvakaita sechipeneti kuvhara pakashama kana kuidzora.

  13. 13

    Kana chivakwa kana chigadzirwa chabata chinenge chanyatsosimba.

  14. 14

    Kana munhu akabata bhazi anenge asvika paanoriwana nenguva kwayo iro risati radarika.

  15. 15

    Kubata munhu kuva mune ukama muine kakuita kenyu kanoratidza kuwirirana kwenyu kana kupokana kwenyu. Haikona kubata mukadzi wako zvakashata

Apps from the team behind Kwaunobva

Made in Zimbabwe by Invalcre (Pvt) Limited. Free, and they work offline.

Provisional Test Zimbabwe app iconProvisional Test ZimbabweZimbabwe VID test and Highway Code

Pass your Zimbabwe provisional driving test.

  • Every question of this year's papers, with the reason each answer is right
  • A readiness score that moves as you sit papers, so you know when to book
Provisional app: a timed test question asking which car at a junction goes last
Danho app iconDanhoZIMSEC O and A Level past papers

Every ZIMSEC past paper, offline, on your phone.

  • Works fully offline once a subject is downloaded
  • Progress tracked paper by paper, not just a percentage
Danho app: today's revision plan, with the questions left to revise and a paper to start per subject
Bhaibheri app iconBhaibheriThe Shona Bible and its hymnals

The Shona Bible. Every hymn your church sings. Free.

  • Two versions side by side, verse for verse
  • AFM, Methodist, RCZ, UMC, Baptist and SDA hymnals
Bhaibheri app: choosing a church hymnal, from Apostolic Faith Mission to Seventh-day Adventist
Denhe app iconDenheZimbabwe's public record

The record of what Zimbabwe publishes.

  • Take-home pay, ZESA units and mobile money charges worked out
  • Every school, university and bank, a page each
Denhe: the PAYE calculator working out take-home pay from a monthly salary