Duramazwi
Zvinoreva
Kucherechedza nemaziso kana nendangariro.
Kucherechedza nemaziso kana nendangariro.
Kana uchiona chimwe chinhu, unenge uchishandisa maziso ako kuti uchicherechedze.
Kuona kuzova nechinhu chawanga uchida kana kuti chawanga uchitsvaka.
*Kana ndikaona mariyo ndichamupa kuti atenge juzi rake.*
Kana uchinoona munhu, unenge uchimushanyira kana kusangana naye panzvimbo yakarangana.
Kuona kunzwisisa zviri kutaurwa kana mamiriro ezvinhu panzvimbo.
*Zviri kutsanangurwa nemunyori uyu, ini handisi kumbozviona kana.*
Kuona manzwi-sisire anenge achiita mumwe munhu nyaya.
*Maonere angu ndeekuti musikana akakuramba kare.*
Kana panoitwa nyaya munhu akati achamboona, anenge achiri kumbofunga nezvazvo.
*Musikana uyu ndakamuti ndinomuda asi iye akati achamboona.*
Kana munhu achinzi achaona zvinenge zvichireva kuti kune zvichamurwadza zvaachasangana nazvo.
Kana n'anga ichinzi inoona inenge ichiti kana yasvikirwa nomweya wayo inogona kukutaurira zvakavanzika zvinozoitika panguva inotevera.
Kufarisa.
Mamwe mazwi ane O
ODuramazwi
01 / 03ona yepamhanda
Ku-ona yepamhanda kuva iwe une mutoro wekutakura nhamo dzose dzingawirwa nehama dzako.
VerengaSwipe for the next word