Duramazwi
Zvinoreva
Kuonana kutarisana kunoita vanhu vaviri kana kuti vakawanda, mumwe nomumwe achicherechedza kuti mumwe kana kuti vamwe vari papi.
1
Kuonana kutarisana kunoita vanhu vaviri kana kuti vakawanda, mumwe nomumwe achicherechedza kuti mumwe kana kuti vamwe vari papi.
Zvisinei ndakati rega ndigozoona kuti ndingaudze Lennon sei kuti timbomira kuonana.
Tinoonana mangwana amai newe Chandisaita." Tambaoga akabuda ndokuenda.
Vasikana kudada kudada zvenyu, tichaonana magaro pakuyambuka.
2
Kana vanhu vachinzi vanoonana vanenge vachipota vachifambirana, vachiwirirana.
3
Kana vanhu vachinzi havaonani vanenge vachivengana, vasingafambidzani kana kutaudzana.
Mamwe mazwi ane O
ODuramazwi
01 / 03onashipi
Kana uine onashipi yechimwe chinhu unenge uri muridzi wacho zviri pamutemo.
VerengaSwipe for the next word