KwaunobvaDuramazwiBbatira

Duramazwi

batira

clutch

-batirira

Zvinoreva

Kutakurira, kufanotora kana kusimba.

1

Kutakurira, kufanotora kana kusimba.

2

Kana ukabatira mumwe chinhu unenge wamutakurira.

Ndipe kuno rimwe bhegi ndikubatire.

3

Kubatira kutakurira zvinhu pamwe panhu.

Zvawakwanhura miguri yakawanda kudaro unoibatira pai?

4

Kubatira kuisa rupawo pane chimwe chinhu kuitira kuti vanouya vazive kuti ndechako.

Nakafanokuhuna miti senzira yokubatira pandaida kuzorima.

5

Kana munhu akabatira mumwe munhu anenge amutadzira anenge amutorera chimwe chinhu kuti azochishandisa paanenge achizopa uchapupu hwezvinenge zvakaitika.

Muvakidzani wavo paakavapumha uroyi vakabva vangomubatira heti yokuzoshandisa souchapupu kudare.

6

Kubatira munhu kumudzvanyirira kana kumupa muripo wakaderera pane zvaanenge aita.

Muzvinachitoro akatibatira chaizvo kutipa mari shoma yakadaro pachibage chatakamutengesera.

7

Kubatira kuita basa kuitira kuti uzobatsirwa pane zvaunenge usingakwanisi kuzobvisira mari.

Unogona kubatira basa pazororo kana vabereki vako vasina mari yefizi.

8

Kana moto uri kuveswa wabatira unenge watanga kunyatsobvira zvakanaka.

9

Kana zita rabatira rinenge rava kushandiswa nevanhu vakawanda.

10

Kana uchibatira munhu chinhu unenge uchimutorera chinhu ichocho nechikonzero chekuti anenge atadza kuzadzikisa zvawakawirirana naye.

Zvakafanana

-batirira

Mamwe mazwi ane B

B

Duramazwi

01 / 03

batirana

Kana vanhu vakabatirana chimwe chinhu vanenge vakachisimudza vose mumwe nomumwe akabata pake.

Verenga

Swipe for the next word