Kwaunobva

simba

zita
Zvinoreva
  1. 1

    Simba kukwanisa kuita chimwe chinhu zvisingagoni kuonekwa namaziso. Simba raMwari ndiro rinoita kuti vanhu nemhuka zvirarame. Simba ramagetsi ndiro rinofambisa michina.

  2. 2

    Simba utano hwakanaka hunoita kuti ukwanise kuita zvakasiyana-siyana. Mwana mudiki uyu, haangamboita simba rokusimudza zibhokisi guru rakadai.

    Chero simba chairo ndaive ndisisina zvekuti ndaive ndangogara pamubhedha sezungairwa.

    Zvaive zvakanakawo nekuti simba zhinji rinenge rasara mumunda raida kuzodzorerwa nekudya nekunwa.

  3. 3

    Simba chinzvimbo nechiremera chine vamwe vanhu, chinosakisa kuti vatyiwe nokutererwa, vachiitirwa zvavanenge vachida. Ane simba rokubudisa munhu basa.

    Chii chave kuitawo kuti chinzvimbo chevanhu ava mumhuri chiite chichipera simba?

  4. 4

    Kuve neuzivikanwi pakati pevanhu nenzira yesimba renyama kana repfungwa.

  5. 5

    Kana munhu achinzi akasimba anenge achifara uye ane utano hwakanaka.

  6. 6

    Kana munhu achinzi akasimba, anenge akafuta aine muviri muhombe.

  7. 7

    Kana chinhu chichinzi chakasimba chinenge chichigona kushandiswa kwenguva yakareba, chisina kusakara kana kudambuka.

  8. 8

    Kana mushonga uchinzi wakasimba unenge uchipedza chirwere nokukasira.

Apps from the team behind Kwaunobva

Made in Zimbabwe by Invalcre (Pvt) Limited. Free, and they work offline.

Provisional Test Zimbabwe app iconProvisional Test ZimbabweZimbabwe VID test and Highway Code

Pass your Zimbabwe provisional driving test.

  • Every question of this year's papers, with the reason each answer is right
  • A readiness score that moves as you sit papers, so you know when to book
Provisional app: a timed test question asking which car at a junction goes last
Danho app iconDanhoZIMSEC O and A Level past papers

Every ZIMSEC past paper, offline, on your phone.

  • Works fully offline once a subject is downloaded
  • Progress tracked paper by paper, not just a percentage
Danho app: today's revision plan, with the questions left to revise and a paper to start per subject
Bhaibheri app iconBhaibheriThe Shona Bible and its hymnals

The Shona Bible. Every hymn your church sings. Free.

  • Two versions side by side, verse for verse
  • AFM, Methodist, RCZ, UMC, Baptist and SDA hymnals
Bhaibheri app: choosing a church hymnal, from Apostolic Faith Mission to Seventh-day Adventist
Denhe app iconDenheZimbabwe's public record

The record of what Zimbabwe publishes.

  • Take-home pay, ZESA units and mobile money charges worked out
  • Every school, university and bank, a page each
Denhe: the PAYE calculator working out take-home pay from a monthly salary