KwaunobvaDuramazwiSsimbisa

Duramazwi

simbisa

consolidate · reinforce · strengthen · confirm · emphasize · establish

-farisaona-mhoresa

Zvinoreva

Kana uchisimbisa munhu unenge wamubvunza upenyu kana kumutumira shoko rekumumhorosa. Baba vakati kuna sekuru, endai munosimbisa mbuya.

1

Kana uchisimbisa munhu unenge wamubvunza upenyu kana kumutumira shoko rekumumhorosa. Baba vakati kuna sekuru, endai munosimbisa mbuya.

Ndofunga munofanira kutosimbisa ruoko chaiko nekuti angatozopedzisire atiitira zvimwe.

Akazvisimbisa hake sezvo chokuita painge pasina.

Ndeapi mashoko anotaurwa panguva yakaoma kudai ayo anosimbisa varasikirwa nehama yavo?

2

Kusimbisa chinhu kuchigadzira zvekuti chisaregedzeka kana kuti chinyatsobata. Wedzera ivhu woritsindira kuti usimbise bango iroro.

3

Kana mai vachinzi vasimbisa mwana vanenge vamupa kana kumusungirira mushonga wekuti asakanganiswa nemweya yetsvina.

4

Muchechi yeRoma, kana bhishopu achikusimbisa anenge achikupa mucherechedzo wokuti wakura muchitendero pamutambo werusimbiso unenge uchiitwa muchechi.

Zvakafanana

-farisa · ona · -mhoresa

Mamwe mazwi ane S

S

Swipe for the next word