KwaunobvaDuramazwiTtutuma

Duramazwi

tutuma

-tutumira-pupira-pupuma-feruka

Zvinoreva

Kana zvinhu zviri pamoto zvichitutuma, zvinenge zvichibudisa furo kana kufashaira mvura ichidonhera pamoto.

1

Kana zvinhu zviri pamoto zvichitutuma, zvinenge zvichibudisa furo kana kufashaira mvura ichidonhera pamoto.

Kana sipo ichinzi inotutuma inenge ichibudisa furo rakawanda kana ikakwizirwa.

Kana mwana achitutuma anenge achikura chaizvo achidarika vamwe vezera rake.

Mushonga wamazino ndewakaita bota unotutuma furo mumukanwa kana munhu achigeza mazino.

2

Kana mwana achitutuma anenge achikura chaizvo achidarika vamwe vezera rake.

3

Kututuma kufuta kunoita chingwa chine mbiriso kana chava kuibva.

4

Kana sipo ichinzi inotutuma inenge ichibudisa furo rakawanda kana ikakwizirwa.

Zvakafanana

-tutumira · -pupira · -pupuma · -feruka

Mamwe mazwi ane T

T

Duramazwi

01 / 03

tutumadza

Kana munhu achinzi anozvitutumadza anenge achizvikudza, uye achioona sokuti vamwe vanhu vose hapana zvavari.

Verenga

Swipe for the next word