KwaunobvaDuramazwiTtadza

Duramazwi · chiito

tadza

fail · incapable

-kundikana-koniwa-munda-nyangadza-posha-shaisha

Zvinoreva

Kusakwanisa kuita chinhu.

1

Kusakwanisa kuita chinhu.

Akafunga kuti nemadiro avanoita kudya vese haaimbotadza kuidya chete.

Kana muhope imomo zvakabva zvamushamisawo zvokuti akatadza kupindura.

Vakaramba vakamutarisisa kumaziso asi iye aitadza kuvatarisawo.

2

Kutadza kusakwanisa kuita zvinoitwa navamwe.

3

Kutadza kuita zvisakarurama pamberi paMwari, kana kutyora mutemo netsika.

4

Kutadza kuita chero chinhu chakaipa.

5

Mune zvechikoro kutadza kusanzwisisa mafambiro anenge achiita zvidzidzo.

6

Kutadza kusakwanisa kuita zvinhu zvawanga wakatarisirwa.

Zvakafanana

-kundikana · -koniwa · -munda · -nyangadza · -posha · -shaisha · -dofora

Mamwe mazwi ane T

T

Swipe for the next word