KwaunobvaDuramazwiCchiedza

Zvinoreva

Kuvapo kwekujeka.

1

Kuvapo kwekujeka.

Vavakidzani vanoongorora vainge votozviona kuti mafambiro ababa ava ainge asisina chiedza mukati.

Uchava chiedza cheupenyu hwangu narini wose.

Kana chinhu chichibwituka chinenge chichipa chiedza chizhinji kwechinguva chidiki.

2

Chiedza kujeka kunobva pamwenje kana zuva kana mwedzi.

3

Chiedza kujeka kunoita kunze mambakwedza kana dima reusiku rikange rava kucheneswa nezuva.

4

Kana munhu achiti ava nechiedza panyaya inenge iri kutaurwa anenge ava kunyatsonzwisisa zvambenge zvichimunetsa.

5

Kana munhu achinzi aona chiedza pachiKristu anenge atambira Jesu semuponesi wake.

Zvakafanana

rujeko · chadzera

Zvakasiyana

dima

Mamwe mazwi ane C

C

Swipe for the next word