Kwaunobva

chengeta

chiito
Zvinoreva
  1. 1

    Kubata chinhu zvakanaka kana kuchipa nzvimbo yokugara.

  2. 2

    Kana uchichengeta munhu, mhuri kana musha unenge uchiona kuti zvigere zvakanaka here.

    Vakamuda mwana uyu vakamuchengeta semunhu akanga asiiwa nemurume wake asinawo waanoti wake.

  3. 3

    Kana murume kana mukadzi achichengeta mumwe wake anenge ari iye anoshandira zvekudya, zvekupfeka nezvimwewo zvinodiwa pamba.

  4. 4

    Vanhu vanochengeta mitemo, zvierwa kana tsika dzavo vanenge vachizvitevedza nemazvo.

    Naizvozvo chidzokera kuna Mwari wako; chengeta rudo nokururamisa, urambe uchimirira Mwari wako.

  5. 5

    Kana munhu achisevenza basa rekuchengeta zvipfuyo anenge ari iye mufudzi wazvo.

  6. 6

    Kana munhu achichengeta huku, nguruve kana zvimwewo zvipfuyo pamba pake anenge achiita bhizinesi rekuzvirera achizotengesa.

  7. 7

    Kuchengeta nzvimbo kana midziyo kuzvigaririra kana kugadha kuti zvisabiwe kana kuparadzwa.

  8. 8

    Kuchengeta chitsidzo kuita zvaunenge wakavimbisa kuti uchaita. Akachengeta chitsidzo chekuti aizomuroora apedza chikoro.

  9. 9

    Kuchengeta chinhu kuchipa nzvimbo yekugara, usingachikanganise mamiriro acho.

    Unoziva here kuti kuchengeta nhumbi dzakabiwa imhosva?

  10. 10

    Kana ropa richinzi rinochengeta zvirwere zvinenge zvichireva kuti rinotakura nekuparadzira zvirwere.

  11. 11

    Kana vanhu vachengeta munhu akafa vanenge vamufusira muvhu.

Maumbirwo

Apps from the team behind Kwaunobva

Made in Zimbabwe by Invalcre (Pvt) Limited. Free, and they work offline.

Provisional Test Zimbabwe app iconProvisional Test ZimbabweZimbabwe VID test and Highway Code

Pass your Zimbabwe provisional driving test.

  • Every question of this year's papers, with the reason each answer is right
  • A readiness score that moves as you sit papers, so you know when to book
Provisional app: a timed test question asking which car at a junction goes last
Danho app iconDanhoZIMSEC O and A Level past papers

Every ZIMSEC past paper, offline, on your phone.

  • Works fully offline once a subject is downloaded
  • Progress tracked paper by paper, not just a percentage
Danho app: today's revision plan, with the questions left to revise and a paper to start per subject
Bhaibheri app iconBhaibheriThe Shona Bible and its hymnals

The Shona Bible. Every hymn your church sings. Free.

  • Two versions side by side, verse for verse
  • AFM, Methodist, RCZ, UMC, Baptist and SDA hymnals
Bhaibheri app: choosing a church hymnal, from Apostolic Faith Mission to Seventh-day Adventist
Denhe app iconDenheZimbabwe's public record

The record of what Zimbabwe publishes.

  • Take-home pay, ZESA units and mobile money charges worked out
  • Every school, university and bank, a page each
Denhe: the PAYE calculator working out take-home pay from a monthly salary