Kwaunobva

chengetedza

chiito
Zvinoreva
  1. 1

    Kutarisa, kubata nokushandisa zvakanaka.

    Zviera zvaiva nebasa rekuchengetedza hunhu hwakanaka mukugarisana uyewo kuchengetedza zviwanikwa nenharaunda dzavanogara.

  2. 2

    Kana munhu achinzi anochengetedza basa anenge achishanda zvakanaka, zvinogutsa vashandirwi.

  3. 3

    Kuchengetedza tsindikidzo kutora mazwi aunenge waudzwa woagarisa muhana mako usingaaburitse.

  4. 4

    Kuchengetedza mudziyo kuushandisa nenzira kwayo inoita kuti ugare kwenguva yakareba.

  5. 5

    Kana mapurisa achichengetedza musungwa anenge akamutarisa kuti asapoya.

  6. 6

    Kana uchichengetedza mari kana zvimwewo unenge uchizvishandisa zvishoma nezvishoma kuti zvisapera kana kuparara nokukasika.

    Ndakakuti chengetedza mari makore ose maviri apfuura asi iwe ndokundonyera zvimiti munzeve uchifunga kuti tinoda kuzokujeredzera mari yako.

  7. 7

    Kuchengetedza upenyu, utano kana utsanana kuzviraramisa nenzira dzinoita kuti ugare wakasimba, nokutsvinda uye uri kure nenjodzi.

    Madzimai aya ndiwo aive nebasa guru rokuchengetedza upenyu hwemwana mutsva anenge asati amboona zuva.

  8. 8

    Kuchengetedza imba yako kutevera mitemo inoita kuti musarambane, uchigarisana zvakanaka nomurume wako kana mukadzi wako.

Apps from the team behind Kwaunobva

Made in Zimbabwe by Invalcre (Pvt) Limited. Free, and they work offline.

Provisional Test Zimbabwe app iconProvisional Test ZimbabweZimbabwe VID test and Highway Code

Pass your Zimbabwe provisional driving test.

  • Every question of this year's papers, with the reason each answer is right
  • A readiness score that moves as you sit papers, so you know when to book
Provisional app: a timed test question asking which car at a junction goes last
Danho app iconDanhoZIMSEC O and A Level past papers

Every ZIMSEC past paper, offline, on your phone.

  • Works fully offline once a subject is downloaded
  • Progress tracked paper by paper, not just a percentage
Danho app: today's revision plan, with the questions left to revise and a paper to start per subject
Bhaibheri app iconBhaibheriThe Shona Bible and its hymnals

The Shona Bible. Every hymn your church sings. Free.

  • Two versions side by side, verse for verse
  • AFM, Methodist, RCZ, UMC, Baptist and SDA hymnals
Bhaibheri app: choosing a church hymnal, from Apostolic Faith Mission to Seventh-day Adventist
Denhe app iconDenheZimbabwe's public record

The record of what Zimbabwe publishes.

  • Take-home pay, ZESA units and mobile money charges worked out
  • Every school, university and bank, a page each
Denhe: the PAYE calculator working out take-home pay from a monthly salary