KwaunobvaDuramazwiAasi

Duramazwi

asi

howbeit · rather · but · yet

-bvota

Zvinoreva

Iri izwi rokukanuka rinoshandiswa mumuvhunzo waunenge uchitoziva mhinduro yacho kare.

Iri izwi rinoshandiswa kuratidza rimwe divi renyaya kana mamiriro akaita zvinhu.

asi uchiita kunge usingazivi.

1

Iri izwi rokukanuka rinoshandiswa mumuvhunzo waunenge uchitoziva mhinduro yacho kare.

Asi hausi kuda kuenda nevamwe?

Maitakue havana havo kuexcepta hug yemurume wavo asi Takunda aifara zvisingaite.

Tapiwa ane zvaaida kutaura hake asi akaona kuti Tadiwa aizonyanyisa kurwadziwa.

2

Iri izwi rinoshandiswa kuratidza rimwe divi renyaya kana mamiriro akaita zvinhu.

Kusevenza ari kuda zvake asi ari kurwara.

Ndakatozvibvunza kuti asi vairara here nekuti kwaive kwatodoka zvekurevesa chaiko.

Hongu kuchema kunouya pane dzimwe nguva asi panhamo yakadai dzimwe nguva hauchemi.

3

asi uchiita kunge usingazivi.

Tanaka akambozama kuzvicontroller asi akazokurirwa nesetsa kwave kuseka hake.

Asi idi BaTakue vainge vasina hurongwa hwefuture yemunhu wavanenge vachidanana naye.

Asi munhu wavainge vapinda naye mumba ndiye aiva nyoka,aive asina kuita mushe, Mamoyo.

Zvine chekuita

-bvota

Mamwe mazwi ane A

A

Duramazwi

01 / 03

asibhesita

Iri irata rinoshandiswa kupfirira dzimba. Zvokupfirira imba nemaasibhesita zvava zvekare. Mazuvano kwava kunyanya kushandiswa mataira.

Verenga

Swipe for the next word