KwaunobvaDuramazwiBbva

Duramazwi

bva

Zvinoreva

Iri izwi rinoshandiswa pakubatanidza mashoko anoumba mitsara, asi kazhinji zvinobatanidzwa zvacho zvichipikisana.

Ichi chiitogama chinoshandiswa kutaridza kuti pane zvinhu zvinenge zvichifanira kumboitwa pasati paitwa zvimwe.

Kana munhu achiti anobva kumwe kunhu, anenge achireva kuti ndiko kwaanogara kana kuti kwaakaberekerwa.

1

Akambokakavarawo mumusangano, *bva* zvakaramba.

Bva kana raive dhimoni rechipfambi raive rakadzika midzi zvaro pana Noku.

Uroyi hwembuya, uku yakaka, imbwa ndiko kwakaenda tsuro Bva paya regai zvikomba zvitsukutane.

2

Ichi chiitogama chinoshandiswa kutaridza kuti pane zvinhu zvinenge zvichifanira kumboitwa pasati paitwa zvimwe.

Chibva wadya sadza musati masunga n'ombe.

Bva kana raive dhimoni rechipfambi raive rakadzika midzi zvaro pana Noku.

Uroyi hwembuya, uku yakaka, imbwa ndiko kwakaenda tsuro Bva paya regai zvikomba zvitsukutane.

3

Kana munhu achiti anobva kumwe kunhu, anenge achireva kuti ndiko kwaanogara kana kuti kwaakaberekerwa.

Ini ndinobva kuWatsomba.

Uroyi hwembuya, uku yakaka, imbwa ndiko kwakaenda tsuro Bva paya regai zvikomba zvitsukutane.

4

Kubva panzvimbo yako kuisiya uchienda kune imwe.

5

Kana chinhu chichinzi chakabva kumwe kunhu zvinenge zvichireva kuti ndiko kwachakatangira.

Shoko ratava kushandisa muChiShona iri rakabva muChiRungu.

Mamwe mazwi ane B

B

Duramazwi

01 / 03

bvabvadza

Kubvabvadza nhumbi kudzisuka uchii-ta zvokudzitsika-tsika.

Verenga

Swipe for the next word