Duramazwi
-tungamira-pfuura-shayika-bva
Zvinoreva
Kufamba kubva panzvimbo.
1
Kufamba kubva panzvimbo.
2
Kuenda kufamba kubva pane imwe nzvimbo uine kumwe kwawakananga.
Uchaenda riini kuchigayo?
3
Kana munhu achinge aenda anenge afa.
4
Kana mvura yaenda inenge yagasa, isisanaye, asi iyo yambenge ichinaya kwenguva.
5
Kana zvichinzi chakati chinoenda nechimwe, zvinenge zvichireva kuti kuzoitika kwacho kunobva pane chimwe chokutanga. Kutenga kwevanhu vokuno kwedu kumaruwa kunoenda nokuti vanhu vanenge vakohwa zvadii mwaka iwoyo.
Zvakafanana
-tungamira · -pfuura · -shayika · -bva
Mamwe mazwi ane E
EDuramazwi
01 / 03ende
Izwi rinoshandisirwa pakudaidza.
VerengaSwipe for the next word