Duramazwi
tambira
assume
Duramazwi
assume
Kubvuma chaunenge wapiwa.
Kubvuma chaunenge wapiwa.
Kukangaidza munhu kumuvhiringidza pazvinhu zvaanenge achiita. Uri kundikangaidza basa rangu, tambira kure neni.
Tadiwa akavatarisisa chiso chavo ichishaya kuziva kuti vainge vamutambira here kana kuti......?
Kana uchitambira zvauri kupiwa, unenge uchitambanudza maoko uchizvitora.
Mai vakandipa chingwa ndokubva ndauchira ndikachitambira.
Kana uchitambira unenge uchipiwa mari pabasa, mushure mekuishandira.
Kana uchitambira vaenzi unenge uchivamhorosa nekuvapinza mumba kana mumusha.
Kana watambira tsamba unenge waona gwaro rawakanyorerwa.
Kana watambira runhare unenge wataura pafoni.
Kana uchitambira shoko unenge uchiudzwa mashoko abva kune mumwe munhu.
Kana munhu achitambira mashoko ataurwa nomumwe munhu anenge ari kupindirana nepfungwa inenge iri kupiwa.
-n'ashira · -gashira · -gamuchira · -chingura · -chingudzira
Duramazwi
01 / 03tambisa
Kusaita chinhu noungwaru.
VerengaSwipe for the next word