KwaunobvaDuramazwiCchingura

Duramazwi

chingura

-tambira-chingamidza-gamha

Zvinoreva

Kana uchichingura munhu anenge achisvika pamba penu, unenge uchimunenekedzera ruoko rwekumhoresa kana kumutaurira mashoko anoratidza kuti ngaasvike zvake.

1

Kana uchichingura munhu anenge achisvika pamba penu, unenge uchimunenekedzera ruoko rwekumhoresa kana kumutaurira mashoko anoratidza kuti ngaasvike zvake.

Pavakanzwa pamba pachinzi kokoko, vakabva vachingura vaenzi vavo vachidaidzira kuti, *"Pindai!"*.

Kuchingura munhu anenge achitaura kumugurisira kuti asaenderere mberi nekutaura.

2

Kuchingura munhu anenge achitaura kumugurisira kuti asaenderere mberi nekutaura.

Paakati achinoti chakati, sajeni vakabva vamuchingura nemubvunzo.

Zvakafanana

-tambira · -chingamidza · -gamha

Mamwe mazwi ane C

C

Duramazwi

01 / 03

chinguri

Tinoshandisa chinguri kuratidza kuti pava nenguva yakareba zvimwe zvinhu zvichiitika.

Verenga

Swipe for the next word