Duramazwi
Zvinoreva
Tinoshandisa chinguri kuratidza kuti pava nenguva yakareba zvimwe zvinhu zvichiitika.
Iyi ibatanidzo yamazwi inoratidza pakapedzisira kuitika zvimwe zvinhu.
1

Chinguri ndabvira ndichikusheedza, hauna nzeve here?
Vana havana chavadya chinguri vabva kuchikoro masikati.
Chinguri wakapedza chikoro, nanhasi hausati wava kusevenza?
2
Iyi ibatanidzo yamazwi inoratidza pakapedzisira kuitika zvimwe zvinhu.
Haasati aroora chinguri chaakamitisa musikana wake.
Vana havana chavadya chinguri vabva kuchikoro masikati.
Chinguri wakapedza chikoro, nanhasi hausati wava kusevenza?
Mamwe mazwi ane C
CDuramazwi
01 / 03chingurira
Kuchingurira munhu kumugera nechemuzasi megotsi.
VerengaSwipe for the next word