KwaunobvaDuramazwiDdzikama

Duramazwi · chiito

dzikama

be calm · calm (be)

-terama-gadzikana-pamira

Zvinoreva

Kunyara nokugadzikana.

1

Kunyara nokugadzikana.

Sei uri iwe wega urikunzwa zvinhu zvinotyisa?, dzikama Natasha usinaye nezvechiJesu chako ichocho chaunodana.

Ndaive ndamumhoresa achibva andiigonwa saka neniwo ndakabva ndangoudzawo mwoyo wangu kuti dzikama,Ida anokuda asingakude siyana naye.

Pandakangonyarara kunamata nemhepo yakabva yatotangawo kudzikama kusvika kusisina kwatove normal.

2

Kana munhu achinzi akadzikama anenge asina kuzhangandira, uye asingakurumidzi kuita chinhu chaasina chokwadi nacho.

3

Kana kunze kuchinzi kwakadzikama kunenge kusina mhepo yakanyanya.

4

Kana mugungwa kana mudhamhu muchinzi makadzikama munenge musina masandairira.

Zvakafanana

-terama · -gadzikana · -pamira

Mamwe mazwi ane D

D

Duramazwi

01 / 03

dzikana

Dzikana musikana murefu ane mumhu mukuru.

Verenga

Swipe for the next word