KwaunobvaDuramazwiDdzika

Duramazwi

dzika

implement · assert · assertive

-buruka-dzama

Zvinoreva

Kumisa kana kugadzika.

Kana uchidzika unenge uchibva pakakwirira kana kuti mudenga uchienda pasi. Haufaniri kukwira mumuti kana uchiziva kuti hauzogoni kudzika.

1

Kumisa kana kugadzika.

Tanaka akazongobatwa nehupe ari mundangariro dzake dzakadzika dzika.

Utesva ndepakadzika-dzika penzvimbo inenge ine madhaka.

Pandakaona varamba vakanditarisa ndakabva ndafutira ndakutanga kufamba ndidzika downstairs hangu.

2

Kudzika mutemo kutara murairo unofanira kutevedzwa. Vapambevhu vaidzika mitemo youdzvanyiriri yokuti vatema vasabudirira.

3

Kana ukadzika chinhu unenge uri iwe wachitanga.

4

Kudzika mureza kutonga kana kuratidza utongi hwenzvimbo. Mureza weZimbabwe wakadzikwa kekutanga muna 1980.

5

Kana munhu achidzika heti anenge achiipfeka mumusoro make.

6

Kana uchidzika unenge uchibva pakakwirira kana kuti mudenga uchienda pasi. Haufaniri kukwira mumuti kana uchiziva kuti hauzogoni kudzika.

Tanaka akazongobatwa nehupe ari mundangariro dzake dzakadzika dzika.

Utesva ndepakadzika-dzika penzvimbo inenge ine madhaka.

Pandakaona varamba vakanditarisa ndakabva ndafutira ndakutanga kufamba ndidzika downstairs hangu.

7

Kana gomba richinzi rakadzika rinenge rine udzamu hwakakura.

Zvakafanana

-buruka · -dzama

Mamwe mazwi ane D

D

Duramazwi

01 / 03

dzika dzika

Kana mwoyo womunhu wakati dzika dzika unenge une rufaro, wakagadzikana.

Verenga

Swipe for the next word