KwaunobvaDuramazwiGgadzikana

Duramazwi

gadzikana

restful · settle

-dzikamaterama-garana

Zvinoreva

Kana zvinhu zvakagadzikana panzvimbo kana mumudziyo, zvinenge zvakati chechetere pasina chinofamba kana kutamba-tamba.

1

Kana zvinhu zvakagadzikana panzvimbo kana mumudziyo, zvinenge zvakati chechetere pasina chinofamba kana kutamba-tamba.

Ndazoona kuti iyezvino ndagadzikana ndipo pandakabva ndazosimudza bhegi rangu ndokutanga kufamba ndichipinda mubedroom.

Kahana kakange kasina kugadzikana asi mufaro wakazara mumwoyo.

Nyaya dzekugadzikana nehondo pasi rino kana munyika yaugere unokwanisa kuzviziva kuburikidza nekuteerera kana kuona paterevhizheni idzi.

2

Kana munhu akagadzikana anenge asina zvinomunetsa mupfungwa.

3

Kugadzikana kuenda pasi kwetsvina iri mumvura inenge yabvongodzwa.

Zvakafanana

-dzikama · terama · -garana

Mamwe mazwi ane G

G

Duramazwi

01 / 03

gadzikano

Gadzikano kugara kwevanhu vakazorora, vasina zvinovanetsa.

Verenga

Swipe for the next word