KwaunobvaDuramazwiTterama

Duramazwi

terama

level

-gadzikana-dzikama-sandarika

Zvinoreva

Kugadzikana.

1

Kugadzikana.

Haradziva iruva rinomera mudziva rine mvura yakaterama kana kuti inofamba zvishoma.

Kuterama kudzikama kwehana yomunhu, zvokuti haavhunduki kana kutsamwa nhando.

Kana mvura iri mumugomo kana mumumwe mudziyo yakaterama inenge yakagara yakati chechetere.

2

Kuterama kudzikama kwehana yomunhu, zvokuti haavhunduki kana kutsamwa nhando.

3

Kuterama kukwenenzvereka kwenzvimbo isina makomba.

4

Kuterama kunyarara kwekunze kunoita kuti pasanzikwe ruzha. Mambwakwedza kunze kunenge kwakaterama zvokuti kose kanofamba kana kuchema kanonzikwa.

5

Kuterama kunyarara kunenge kwakaita munzvimbo kana munyika mushure memhirizhonga. Munyika muno materama kwete mhirizhonga dzaivako paida kuitwa sarudzo paye.

6

Kana mvura iri mumugomo kana mumumwe mudziyo yakaterama inenge yakagara yakati chechetere.

Zvakafanana

-gadzikana · -dzikama · -sandarika

Mamwe mazwi ane T

T

Duramazwi

01 / 03

terebvara

Kana musana wakaterebvara unenge wakapinda mukati zvekuita chigomba.

Verenga

Swipe for the next word