KwaunobvaDuramazwiDdudza

Duramazwi · zita

dudza

pronounce

Zvinoreva

Kutaura mashoko anonyatsobuda.

Kutsanangura mashoko kuitira vanhu vazive (to mention/articulate).

1

Kutaura mashoko anonyatsobuda.

2

Kududza kutaura pachena zvanga zvichimbovanzwa.

Musikana akazvambaradzwa kusvika adudza akamuitisa pamuviri.

3

Kududza kubudisa mazwi mumukanwa zvinonyatsonzwika.

Vanhu vanomuterera nokuti anoduza manzwi ake.

4

Kududza kutsanangura zvinhu nomazvo.

Akadudza zvakaitika zvose nenzira inogutsa.

5

Kududza kuchema zvinonzwika.

Nyakufirwa aichema achidudza.

6

Kudavira.

7

Kutsanangura mashoko kuitira vanhu vazive (to mention/articulate).

Apa ndaive ndoita kududza manzwi but ndichitaurira pasi pasi.

Shungu dzembwa dziri mumwoyo kuhukura ndiko kududza.

Musikana akazvambaradzwa kusvika adudza akamuitisa pamuviri.

Mamwe mazwi ane D

D

Swipe for the next word