KwaunobvaDuramazwiBbatanidza

Duramazwi · chiito

batanidza

assemble · attach · compile · connect · graft · merge · unify · combine; join; unite

Zvinoreva

Kuisa pamwe chete.

1

Kuisa pamwe chete.

Patsanura nokubatanidza mazwi anoda kupatsanurwa uye batanidza mazwi ose anoda kubatanidzwa.

Hama dzakazoronga kubatanidza Mari kuti Takunda avigwe ndokubva azochengetwa kumusha kwabatakue.

Wakafaniravo kugona kubatanidza nokupatsanura mazwi zvakanaka.

2

Kubatanidza kutora zvinhu zviviri kana kupfuura uchizviita chinhu chimwe chete.

3

Kana mufundisi kana mejasitiriti akabatanidza vanhu vanodanana anenge aita kuti vachiva murume nomukadzi zviri pamutemo.

4

Kana ukabatanidza vanhu vapokana unenge waita kuti vawirirane.

Mamwe mazwi ane B

B

Swipe for the next word