KwaunobvaDuramazwiMmurairo

Zvinoreva

Murairo ndezvese zvinenge zvichitarisirwa munhu kuti aite asingavhiringani navamwe. Pano pamba vana vanoziva kuti murairo wangu unoti vaenzi vanobvunzwa mufaro.

1

Murairo ndezvese zvinenge zvichitarisirwa munhu kuti aite asingavhiringani navamwe. Pano pamba vana vanoziva kuti murairo wangu unoti vaenzi vanobvunzwa mufaro.

Kudzika mutemo kutara murairo unofanira kutevedzwa. Vapambevhu vaidzika mitemo youdzvanyiriri yokuti vatema vasabudirira.

Ngoro yakamira kunze kwemusha vakamirira kupinzwa mumusha pamurairo.

2

Murairo kuita chimwe chinhu chausingakwanisi asi uchingoratidza chido chako chete. Sekuru vairwara nomusana, asi pakuvigwa kwomuzukuru wavo vakangobata piki zvomurairo ndokundovata.

Zvakafanana

mutemo · chirevo

Mamwe mazwi ane M

M

Duramazwi

01 / 03

murakani

Murakani mauswa kana mashizha akaorera, anoiswa pazvirimwa semufudze.

Verenga

Swipe for the next word