Duramazwi · zita
Zvinoreva
Muraini kurongeka kunenge kwakaita zvinhu zvichitevedzana. Chibage chakadyarwa chakaita muraini.
1
Muraini kurongeka kunenge kwakaita zvinhu zvichitevedzana. Chibage chakadyarwa chakaita muraini.
Vakazosvika havo muraini ravainge vave kugara.
Musaona zvenyu vanhu kufamba kudai, nzara yabvuriridza muno muraini.
Sabhuku munhu anotungamirira misha inenge iri muraini rimwe chete kumaruwa.
2
Muraini munzvimbo munenge makagara vanhu vamwe, kazhinji mune dzimba dzinenge dzakatevedzana. Murume afa uyu aigara zvakanaka nevamwe muraini.
Mamwe mazwi ane M
MDuramazwi
01 / 03murairidzi
Uyu munhu anenge achidzidzisa vamwe pamusoro pezvinhu zvakasiyana-siyana, riri iro basa rake.
VerengaSwipe for the next word