Duramazwi · zita
chirongwa
program · scheme
Duramazwi · zita
program · scheme
Chirongwa chinhu chose chose chinenge chakagadzirirwa kuti chizoitwa kana kuitika.
Chirongwa chinhu chose chose chinenge chakagadzirirwa kuti chizoitwa kana kuitika.
Tinovimba ndakwanisa kutsanangura zvakatinakira chirongwa chekudzidza chakavandudzwa chave muzvikoro.
Handizive kuti zvakamborongwa sei nekuti chirongwa chakanaka chikashaiwa mari chinopedzesera choita sechakaipa.
Dambudziko iri rikasagadziriswa richatiuraira chirongwa chedu chakanaka chekudzidza chatakagadzirirwa nehurumende.
Pane zvokunyora, chirongwa mazwi kana nhamba zvinenge zvichitevedzana nemitsetse, mimwe inodzika mimwe ichienda kurutivi, kuitira kuti vanozoverenga vakurumidze kuwana ruzivo kana mhinduro pese pavanongodira pane chipi nechipi zvacho chiri maererano nomusoro wenyaya kana chidzidzo.
Duramazwi
01 / 03chironzo
Chironzo ipfungwa ine musoro inotaurwa munhaurirano.
VerengaSwipe for the next word