KwaunobvaDuramazwiTtsaura

Duramazwi

tsaura

-keta-paradzanisa-pandanisa-donora

Zvinoreva

Kutsaura kubvisa zvinhu kubva mukati mezvimwe, kuti zvive pazvo zvoga.

1

Kutsaura kubvisa zvinhu kubva mukati mezvimwe, kuti zvive pazvo zvoga.

Vafudzi vanotsaura n'ombe kana voenda nadzo kundovharira mumatanga.

Ruzivo rwachinopa urwu rwunoita kuti ukwanise kutsaura chinhu kubva pakati pezvimwe.

2

Kutsaura mari hombe kuiita kuti iparadzane iite mari diki dzakawanda.

Ndinoda kutsaura mari hombe iyi, iite madhora akatsaukana, ndozoichengetera muhomwe dzakasiyana kuti kana ndikabirwa ndisabirwe yese.

Zvakafanana

-keta · -paradzanisa · -pandanisa · -donora

Mamwe mazwi ane T

T

Swipe for the next word