KwaunobvaDuramazwiRrasa [-rasha]

Duramazwi

rasa [-rasha]

-taya-wana

Zvinoreva

Kushaya chawambenge uinacho.

1

Kushaya chawambenge uinacho.

2

Kurasa kukanda chinhu kure, nepamusana pekuti hachisisina basa.

3

Kurasa kushaya chawambenge uinacho, asi uchichida.

Vana varasa mombe nhasi padzaenda kudhibha.

4

Kana wachi yakarasa inenge isingataridze nguva chaiyo, iri mumashure kana kuti iri mberi.

5

Kana munhu achinzi arasa mumwe anenge akoshiwa nezvake panguva dzakakosha.

Ukarasa mukadzi uyu hauchazofa wakawana mumwe ane mwoyo wakadai.

6

Kurasa mufi kumu-viga.

VaRegai vakafa neChina tikazondovarasa kumusha noMugove-ra.

Zvakafanana

-taya

Zvakasiyana

-wana

Mamwe mazwi ane R

R

Duramazwi

01 / 03

rasana

Kana vanhu vanga vachifamba vese vakarasana vanenge vapesana, pasisina achaziva kwaenda nomumwe.

Verenga

Swipe for the next word