Duramazwi
pindira
intervene · overtake
Duramazwi
intervene · overtake
Kuenda pamberi kana mukati zvisina kunyatsoti twasu.
Kuenda pamberi kana mukati zvisina kunyatsoti twasu.
Vamhofu vakabva vapindira ndopakabva pasvika mapurisa.
Kupindira vanhu kuvasvikira usina kugogodza, wovawana vari pakamanikidzika.
Akapindira hanzvadzi yake isina kupfeka.
Kupindira kumhanya kana kufambisa zvokusvika uchipfuura vanga vari pamberi.
Kupindira vamwe pamutsetse kusvika uchisvikopfekera kumberi kuti utangire vanhu vawawana vagarira kare.
Kupindira kungoenda wonozvipfekera pavanhu vari kutaura nyaya dzavo, kana kungotaurawo zvaunofunga panyaya isinei newe.
Kana munhurume apindira munhukadzi, anenge abarisa mukadzi wehama yake inenge isingabereki pachivande.
Zvinonzi akapindira mudzimai wemukoma wake.
-pinzira
Duramazwi
01 / 03pindirana
Kufanana kana kuwirirana.
VerengaSwipe for the next word