Kwaunobva

pinda

zita
Zvinoreva
  1. 1

    Pinda idoro rinobuda pamasese akambosvinwa muchaiwa pokutanga.

  2. 2

    Kuenda mukati.

    Pinda, undotaura naFarao mambo weIjipiti, kuti atendere vana vaIsiraeri kubuda munyika yake.

  3. 3

    Kana uchipinda mumba kana pamwe panhu unenge uchibva panze kuenda mukati macho.

    Akabva amhanya kwave kusviko pinda mumba make.

  4. 4

    Kana zvinhu zvichinzi zviri kupinda mumusoro zvinenge zvichinzwisisika.

  5. 5

    Kana zvinhu zvichinzi zvapinda muropa panenge paita chijairira, zvokuti munhu anenge asisagoni kugara asingazviiti.

  6. 6

    Kana munhu akanzi apinda pakaomarara anenge ari panguva yekutambudzika nekuda kwedambudziko rinenge ramuwira.

  7. 7

    Kana mukuwasha achinzi apinda mumusha anenge abvumidzwa kusvika pamusha panatezvara kekutanga kubva musi waaroora.

  8. 8

    Kana munhukadzi akapinda mumambure anenge achata.

  9. 9

    Kana munhu apinda mumuforo anenge ava kunzwisisa, aakuita zvinhu zvine musoro.

  10. 10

    Kana munhu achiti akapinda chikoro pakati anenge achireva kuti akamboita mazuva aripo achifunda.

  11. 11

    Kupinda kudarika munhu anga ari mberi kwako pakufamba kana kuti pakumhanya.

  12. 12

    Kana mazuva achinzi apinda zvinoreva kuti nguva inenge yafamba zvukuru.

    Musikana uyu haasati aroorwa zvake asi mazuva apinda.

  13. 13

    Kupinda mumwe kumukurira pakuva zvamuri kana kuti zvamunenge muchiita.

Maumbirwo

Apps from the team behind Kwaunobva

Made in Zimbabwe by Invalcre (Pvt) Limited. Free, and they work offline.

Provisional Test Zimbabwe app iconProvisional Test ZimbabweZimbabwe VID test and Highway Code

Pass your Zimbabwe provisional driving test.

  • Every question of this year's papers, with the reason each answer is right
  • A readiness score that moves as you sit papers, so you know when to book
Provisional app: a timed test question asking which car at a junction goes last
Danho app iconDanhoZIMSEC O and A Level past papers

Every ZIMSEC past paper, offline, on your phone.

  • Works fully offline once a subject is downloaded
  • Progress tracked paper by paper, not just a percentage
Danho app: today's revision plan, with the questions left to revise and a paper to start per subject
Bhaibheri app iconBhaibheriThe Shona Bible and its hymnals

The Shona Bible. Every hymn your church sings. Free.

  • Two versions side by side, verse for verse
  • AFM, Methodist, RCZ, UMC, Baptist and SDA hymnals
Bhaibheri app: choosing a church hymnal, from Apostolic Faith Mission to Seventh-day Adventist
Denhe app iconDenheZimbabwe's public record

The record of what Zimbabwe publishes.

  • Take-home pay, ZESA units and mobile money charges worked out
  • Every school, university and bank, a page each
Denhe: the PAYE calculator working out take-home pay from a monthly salary