KwaunobvaDuramazwiNnetsa

Duramazwi

netsa

awkward · harsh · annoy

-tambudza

Zvinoreva

Chinhu chinonetsa ndechinotambudza munhu, zvokuti anoshaya mufaro.

1

Chinhu chinonetsa ndechinotambudza munhu, zvokuti anoshaya mufaro.

Patakanzi napastor tivasimudze tinovaisa kubedroom kwavo ivo havana kumbozvinetsa.

2

Kunetsa kuramba uchiita zvinhu zvisingafarirwe nemumwe munhu.

Ndakuudza kuti haikona kuramba uchindidhonza, uri kundinetsa.

3

Kana chimwe chinhu chichinetsa chinenge chisisawanikwi, zvokuti vanhu vanenge vava kutamburira kuchiwana.

Pakakwanga kwakaoma mvura yainetsa zvokuti taitochera mifuku.

Zvakafanana

-tambudza

Mamwe mazwi ane N

N

Duramazwi

01 / 03

netsana

Kana vanhu vachinzi vanonetsana vanenge vachigara vachipopotedzana, uye panenge pasina rugare pakati pavo.

Verenga

Swipe for the next word