KwaunobvaDuramazwiDdonha

Duramazwi · chiito

donha

decline · fall; collapse · drop

-punzika-wa-pweruka-puruka

Zvinoreva

Kubva pamusoro uchirovera pasi.

1

Kubva pamusoro uchirovera pasi.

Sonho chikafu chino-donha kubva mupoto pakubika.

Bacaren vakangodzungudza musoro madrinks avainge vakabata achibva adonha pasi.

BaTakue vakasimuka kuti vaponesewo hupenyu hwavo kaskirt kaye kwave kubva kadonha hako pasi.

2

Kana uchidonha unenge uchiputsikira pasi.

3

Kana munhu akangoerekana adonha panzvimbo anenge angokaruka apasvika.

4

Kana bhuruku kana siketi zvichidonha zvinenge zvakakurisa muchiuno, zvokuti zvinenge zvisingabati muchiuno.

5

Kana hembe ichidonha mvura nenge yakanyorova chaizvo zvokuti madonhwe emvura anonekwa achibva pairi.

6

Kudonha kutadza kubudirira pazvidzidzo kana pabvunzo yaunenge wanyora.

7

Kana michero ichinzi yava kudonha inenge yaibva, yongoguka yega mumuti. Mangwanani ega ega ndinomukira kunhonga mazhanje anenge akadonha.

Zvakafanana

-punzika · -wa · -pweruka · -puruka

Mamwe mazwi ane D

D

Swipe for the next word