KwaunobvaDuramazwiVvhomora

Duramazwi

vhomora

Zvinoreva

Kana ukavhomora chinhu unenge wachiburitsa kubva mune chimwe.

1

Kana ukavhomora chinhu unenge wachiburitsa kubva mune chimwe.

VaMugoti vakapinza ruoko muhomwe ndokuvhomora chibhanduro chematuwendi dhora.

Kuti rabanu kuvhomora nokubudisa chinhu chirefu changa chakahwanda nokuchiisa pachena.

Kana munhu akavhomora maziso anenge akaavhura zvikuru achitaridza kutya kana kushamiswa.

Mamwe mazwi ane V

V

Duramazwi

01 / 03

vhorokosho

Kana munhu akati vhorokosho anenge agara pasi achiita zvokuzvikanda, kazhinji nokuda kokuti aneta kana kugomberwa.

Verenga

Swipe for the next word