KwaunobvaDuramazwiUusiku

Duramazwi · zita

usiku

nightfall · nights · nighttime · night

Zvinoreva

Usiku inguva inenge kwava nerima, zuva radoka. Varoyi vanofamba namazizi avo usiku, vamwe vanhu vose varere.

1

Usiku inguva inenge kwava nerima, zuva radoka. Varoyi vanofamba namazizi avo usiku, vamwe vanhu vose varere.

Ko, zvino handinganetse amai here nokuvamutsa usiku hwakadai?

Tadiwa akabuda usiku kwave kunotora chicken inn yake.

Usiku humwe chete hahupedzi ushe.

2

Usiku izwi rinoshandiswa kureva munhu asina zvaanoziva, kana kuti asina njere dzakapinza. Vedu, Biggie haana chaanogona. Usiku zvahwo uhwo.

Zvakasiyana

masikati

Zvakafanana

utsi

Mamwe mazwi ane U

U

Duramazwi

01 / 03

usikusiku

Iyi inguva yekunze koda kuedza, kazhinji panorira huku dzokutanga. Mabhazi okuno anokasira kuenda chaizvo saka tichatomuka usikusiku.

Verenga

Swipe for the next word