KwaunobvaDuramazwiTtaurisa

Duramazwi

taurisa

-kwama-shamatata-vhovhoma

Zvinoreva

Kana munhu achitaurisa anenge achitaura akanyanya kukwidza izwi.

1

Kana munhu achitaurisa anenge achitaura akanyanya kukwidza izwi.

Zvisinei hazvo ndataurisa regedza ndiende.

Kana munhu akanzi atonhora anenge anyarara chaizvo asi aimbozivikanwa nokutaurisa.

Mureketi munhu anotaurisa, asinganyarari kwenguva refu kana ari pana vamwe.

2

Kana munhu achinzi anotaura anenge achigara achingonyomba kana kupokana nevamwe nokuda kwemazwi aanobudisa anenge asina kunaka.

3

Kana munhu achinzi anotaurisa anenge achingobhuya asinganyarari uye asingapiwo vamwe mukana.

Zvine chekuita

-kwama · -shamatata

Zvakafanana

-vhovhoma

Mamwe mazwi ane T

T

Duramazwi

01 / 03

tauru

Chira chinoshandiswa kupukuta muviri pashure pekugeza (towel).

Verenga

Swipe for the next word