Duramazwi · chiito
sunungura
liberate · loosen · untie
Duramazwi · chiito
liberate · loosen · untie
Kusunungura kuita kuti zvambenge zvakabatanidzwa pamwe chete netambo zviregedzeke.
Kusunungura kuita kuti zvambenge zvakabatanidzwa pamwe chete netambo zviregedzeke.
Kana izvi zvichinge zvangoitika, vakuru vakuru vaiendako vachisvikoteterera kuvakuruvakuru venyika kuti varegerere nokusunungura nyakutadza.
Hama dzedu idzi dzakazvipira kusunungura nyika yedu nokudaro rava basa redu tose kuti tizvipirewo kuchengetedza rusununguko urwu.
Varwi verusununguko vainge vakazvipira kusunungura nyika yedu; nekudaro vaisatya kufa.
Kana ukasunungura bhaudhi unenge waita kuti rirege kushinyisa parakasunga.
Kana ukasunungura munhu unenge wamubvisa muusungwa kana muuranda.
Kana ukasunungura munhu unenge wamuitira kana kumutaurira zvinoita kuti afaranuke.
Kana mufundisi akasunungura mutenderi anenge amunamatirira uye kumubvumidza kuti achinamata pamwe navamwe mushure mokuregererwa kwezvivi zvake.
Kana munhu akasunungura moyo anenge azobvuma kuti chimwe chinhu chiitwe mushure mokumborambisisa.
-pfumvunyura · -tsunhura · -fundunura · fandanura
Duramazwi
01 / 03sununikwa
Sununikwa munhu anongofamba asingazivi kuti chii chiri kuitika, kazhinji nepamusana pokuti anenge achipenga.
VerengaSwipe for the next word