KwaunobvaDuramazwiPpfeka

Duramazwi · chiito

pfeka

clothe · dress · wear

-fukasimira-kumura

Zvinoreva

Kupfeka kutora dhirezi, hembe kana dzimwewo mbatya uchiisa pamuviri wako.

1

Kupfeka kutora dhirezi, hembe kana dzimwewo mbatya uchiisa pamuviri wako.

Mhemba mukomana anowanzo-pfeka nhumbi dzakanaka chaizvo uye dzakachena.

MaChawa anoonekwa noku-pfeka tuheti tudiki tunoiswa nechokugotsi, tusingazadzi musoro wose.

Ndakasvika ndikapfeka ndokumbomira amwe maminetsi maviri ndokubva ndazobuda.

2

Kana munhukadzi achinzi apfeka anenge ava nhengo izere yesangano remadzimai esvondo.

3

Kana munhukadzi achipfeka mushonga anenge achiisa mushonga wekurapa kana kudzora sikarudzi yake.

Zvakafanana

-fuka · simira

Zvakasiyana

-kumura

Mamwe mazwi ane P

P

Duramazwi

01 / 03

pfekana

Kana zvinhu zvichinzi zvakapfekana zvinenge zvakamonerana zvekuti kubvisa chimwe chacho ipapo kunonetsa.

Verenga

Swipe for the next word